Tuesday, February 9, 2010

MUSANGANO WEVECHIDIKI WAZVITA

MUSANGANO WEVECHIDIKI WAZVITA 2009
Musangano wekupedzisira wegore rapfuura wakanga uri weveboka revechidiki. Musangano uyu wakaitirwa mudhorobha reZvishavane, kubvira musi wa11 kusvika musi wa13 Zvita, 2009.
Musangano uyu wakaitirwa paKadondo Hall. Mabhuranji anopfuura makumi maviri akanga ari pamusangano uyu. Mamwe emabhuranji akanga ari pamusangano uyu anosanganisira Chomuruvati, Triangle, Davira, Chiredzi, Harare, Murowa, Madhigi, Rusvinga, nemamwe mazhinji kwazvo. Nhengo dzedare guru rekereke, reExecutive Council dzakanga dziri pamusangano uyu dzinosanganisira Moderator vaStamba, Mufundisi vaMuoneka, Mufundisi vaStamba (jnr), Mufundisi vaMachadu, Mufundisi vaMvuto, Mufundisi vaMhaka, Mufundisi vaGwaindisa pamwe nedzimwe nhengo dzinoremekedzwa.
Musangano uyu wakanga uchitungamirirwa neveboka revatsva. Moderator vaStamba vakaparura musangano uyu zviri pamurau wekereke, mangwanani emusi wemugovera, 12 Zvita. Vasati vaparura musangano uyu, Moderator vakaimba rwiyo rwavo rwavanofarira, rwekuti: Kulungile Nkulukulu/Tendai Mwari vakanaka.
Panguva dzemasikati, Mufundisi vaMvuto, avo vanova mutungamiri weboka revatsva, vari zvakare nhengo yedare guru rekereke, ndivo vakaparidza mharidzo yemusangano uyu. Vakadzidzisa pamusoro penhau yakakosha yeMweya Mutsvene. Mufundisi vaMvuto vakatsigira mharidzo yavo nerugwaro rwavakavhura kubva muna Joere 2:28, iyo inotaura nezvekubata kweMweya Mutsvene pamazuva ekupedzisira. Rugwaro urwu rwunotaura kuti nemazuva ekupedzisira majaya nemhandara vachapurofita, uye chembere neharahwa vacharota hope.
Vechidiki vakabatwa kwazvo nedzidziso iyi, sokuti yakanga ine chirevo kwavari. Kubata nekugara kweMweya Mutsvene ndiro rakava dingindira guru remusangano uyu. Mufundisi vaStamba (jnr) vakazoenderera mberi nemharidzo iyi, nerugwaro rwavakavhura kubva kuna Muparidzi 5:2. Mufundisi vaStamba vakabata nezvenyaya yekuridza muridzo vachiratidza kudyidzana kwayo nekubata kweMweya Mutsvene. Vakavhuravo zvakare rugwaro kubva muna Zvakazarurwa 22:10.
Vatendi vazhinji vakanyanyofadzwa nekuuya kwakaita vatendi vesangano reFollowers of Christ Assemblies (FOCA ) kuzobatiravo pamusangano uyu. FOCA isangano rinodyidzana nereMICA sezvo aya ari masangano anobva padzinde rimwechete. Mutungamiri akanga akatungamira boka iri akapiwavo nguva yokuparidza pamusangano uyu. Boka reFOCA iri rakanga rabva kubhuranji reChomuruvati.
Zvimwe zviitiko zvakaitwa pamusangano uyu zvinosanganisiravo makwikwi ekuimba emabhuranji akasiyana siyana, pamwevo nechirairo.Musangano uyu wakazopera mangwanani emusi weSvondo apo mabhuranji mazhinji akatanga kupandaka achienda.

No comments:

Post a Comment