Tuesday, February 9, 2010

MUSANGANO WE-EASTER 2010

MUSANGANO WEKUTANGA KWEGORE WE-EASTER
Musangano wekutanga wegore rino uchava nokuitwa mumwedzi mishomanana iri kutevera.
Musangano weEaster uchava nokuitirwa kunzvimbo yeMurowa, zvichitevera tsika yekereke inoti musangano uyu ucharamba uchingoitirwa kunzvimbo iyi. Musangano uyu uchava nokutanga musi wa2 April neChishanu, uchiva nokupera musi wa4 April, musi weSvondo.
Pane hurongwa huzhinji kwazvo hwakagadzirirwa musangano uyu, uye nhengo dzose kubva kumativi mana enyika dzinokurudzirwa kuuya kumusangano uyu. Danho rekereke regore ra2010 richava nokuparurwa pamusangano uyu, iro richava nokutara gwara rekereke remakore mazhinji ari kutevera.
Zvimwe zvirongwa zvinoitwa pamisangano yose zvichange zvichiitwavo zvakare. Izvi zvirongwa zvinosanganisira chirairo, makwikwi ekuimba emabhuranji, mibairo yakasiyana siyana, zvidzidzo zvevechidiki pamwe nezvimwevo zvatichange takarongerwa nekomiti yedu itsva yevechidiki. Vatendi vazhinji vachange vakatarisiravo kuona zvirongwa zvichange zvakagadzirirwa vana veSande Skuru, sezvo iri riri boka rinowanzosiiwa pamisangano mizhinji.
Vatendi vachange vakatarisiravo kuona kuparurwa kwelibrary, sekuvimbiswa kwakaitwa neboka reGospel Piulgrims. Mabhuku aya haasati atumidzirwa kuMurowa, asi zvinotarisirwa kuti achange avanokutumidzirwa, musangano waApril uyu usati wasvika. Vatendi vose vanokurudzirwa kuti vachitangisa kuunganidza pamwe nokutumidzira mari dzemadyirapamwe emusangano uyu, kuti zvinodiwa pamusangano uyu zvigare zvavapo.
Pamusangano panodiwa zvinhu zvizhinji kwazvo; zvinosanganisira upfu, nyama, shuga, chingwa, chirairo, sipo, nezimwe zvizhinji.

No comments:

Post a Comment