Tuesday, February 9, 2010

MUSANGANO MUKURU WAKAITWA KU-LOWVELD

MUSANGANO MUKURU WAKAITWA KU-LOWVELD
Mabhuranji eku-lowveld akava nekuita musangano mukuru kwazvo kubvira musi wa5 kusvika musi wa7 February. Musangano uyu wakava nokuitirwa kunzvimbo yeSamba Ranch, uko kunogara Baba Mapato. Musangano uyu wakava nokuunganidza vatendi kubva kumabhuranji anosanganisira Zaka, Glendevole, Chiredzi, Triangle, Uswaushava, Zvemombe, pamwe neSamba Ranch. Chinangwa chemusangano uyu chakanga chiri chekusimbisa pamwe nekumutsidzira vatendi munzvimbo iyi. Nhengo mbiri dzedare guru rekereke dzakanga dziri pamusangano uyu. Mutevedzeri wasachigaro wekomiti yeAdministration Council, Muvhangeri vaChipare vakanga vari pamusangano uyu zvakare. Nzvimbo yeSamba Ranch yakavambwa makore mashoma apfuura, zvichitevera chirongwa chekugariswa kwevanhu patsva. Izvi zvakasakisa kuti vatendi vakanga vachibva kunzvimbo dzakaita seShongamiti, Shindi, Munaka nedzimwe nzvimbo dziri padyo, vatame vachienda kundogara kunzvimbo iyi. Shoko raMwari rine mukana wekukurumbira kwazvo kunzvimbo idzi, sezvo kune vatendi vazhinji vamwe vasati vagamuchira ruponeso.

No comments:

Post a Comment