Tuesday, February 9, 2010

CHIREDZI YOVAKA CHECHI

CHIREDZI YOVAKA CHECHI
Bhuranji reChiredzi riri kuramba richisimukira kwazvo, kuburikidza nezvirongwa zvaro zviri kubatsira kubudirira kwekereke munyika mose.
Tichitanga nokutarisa kwaya yebhuranji reChiredzi, tinoona kuti vaimbi vose vakanga vakapfeka hunifomu yekereke, chinova chiratidzo chehumwe hwavo. Chiredzi ndiyo imwe yemabhuranji akava nokuhaya chifambiso chekuuya kumusangano weveboka revatsva, wakaitirwa kuZvishavane.
Chiredzi zvino yava nedanho gore rairi kuita – kuvakira Jehova tembere. SaDavidi wakapika kuti handingavaki rusvingo rweimba yake kana asina kupedza kuvaka tembere yaShe, bhuranji reChiredzi riri pakati pekuronga kuvaka kereke. Mushure mekunge rava nokuwana sitendi munzvimbo iyi, basa rasara nderokuvaka mudhuri. Iri ibasa rinoda mari zhinji kwazvo pamwe nekuzvipira, asi vatendi veboka iri vakazvipira basa iri, kudzamara rapera.
Kereke yepaMurowa ndiyo chete yakavakwa nechechi. Imwe kereke yakavakwa ndeyekubhuranji rekwaDavira, kunyange zvazvo iri duku. Kereke ine hurongwa hwekuti chechi dzivakwe kumabhuranji ose, kutanga nemabhuranji makuru. Hurongwa uhu hunodavo rubatsiro rwemadhona pamwe nehurumende. Zvichakadaro vakomiti emabhuranji ose munyika anokurudzirwa kuchitangisa kutsvaga masitendi ekuvakira midhuri yekereke, nechinangwa chemakore gumi anotevera ekereke. Mabhuranji anenge asina mari yekuripira pakutengwa kwemasitendi achava nokubatsirwa nehomwe ichavambwa yakanangana nechinangwa ichi.

No comments:

Post a Comment