Tuesday, February 9, 2010

FROM THE SECRETARY GENERAL'S DESK

MASHOKO KUBVA KUMUNYORI MUKURU
Ndinokuchingamidzai kuVolume 10, Issue 10 yebepanhau rino reMICA Bulletin. Zvakare ndinokuchingamidzai mugore rino raShe wedu ra2010.
Tinotenda Mwari, zvakare vatipa umwe mukana wekuti tiwedzere kubata kwedu. Nguva ino takatarisana nemusangano wedu wekutanga wegore, uyo uchange uchiitirwa kunzvimbo yeMurowa, kubvira musi wa 2 kusvika musi wa 4 April. Takava nemusangano wakanaka, wevechidiki vedu, mumwedzi waZvita gore rakapera. Senguva iri kuenda, tinokurudzira vatendi vose kuti vachitangisa kubhadhara mari dzinodikanwa dzemusangano; conference fee. Mari ye-conference fee i 2 USD.
Ndinovimba kuti vakanga vari pamusangano wevechidiki makanzwa pamwe nekuona motikari yakatengwa naBaba vaStamba. Kufambira mabhuranji ose ndicho chimwe chezvinangwa zvedu zvegore rino ra2010. Ndinoda kuteuchidzavo vatendi vose nezvemari yehomwe yekutenga motikari yechechi. Mari iyi inoita 10 USD. Vatendi vose vanokurudzirwa kubhadhara mari iyi.
Dare guru rinofadzwa nemichati iri kuwanda mukereke. Izvi zvinoratidza kuti vechidiki vari kutora dzidziso dzatiri kuvapa. Zvakare takatarisana neumwe muchato, musi wa 22 May, waSister Tsungai Machadu. Tinongokurudzira vechidiki vose kuti vatorevo gwara rakanaka iri.
Muchikamu chino tinokupai nhau dzakasiyana siyana maererano nekereke. Ndinokushuwirai kuverenga kwakanaka.
Wenyu Munyori
Pastor S Muoneka

No comments:

Post a Comment