Tuesday, February 9, 2010

MANGA MUCHIZVIZIVA HERE?

MANGA MUCHIZVIZIVA HERE?
Bhaibheri riri kuverengwa nevaKristu vazhinji nhasi uno rine mabhuku makumi matanhatu nematanhatu. Testamente Yakare ine mabhuku makumi matatu nemapfumbamwe, uye Testamente Itsva ine mabhuku makumi maviri maviri nemanomwe.
Chii chinombonzi Bhaibheri? Bhaibheri mubatanidzwa wemabhuku, akanyorwa nevanhu vakasiyana siyana, vachifuridzirwa naMwari (2 TImotio 3:16-17), uye mabhuku aya anogamuchirwa nekereke seShoko raMwari. Sezvo Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, zvinoreva kuti ivo ndivo munyori waro, uye hakuna rimwezve bhuku rakafanana naro, nokuti hakuna rimwe bhuku pasi pano rakanyorwa naMwaru kunze kweBhaibheri chete. Bhaibheri ritori raibhurari pachayo, nokuri mariri mune mabhuku akawanda, anokwana makumi matanhatu nematanhatu.
Wati wambozvibvunzavo here kuti Bhaibheri rakazovapo sei, uye kuti rakawanikwa kupi? Iyi mibvunzo inofanira kupisha mupfungwa dzavatendi. Sebepanhau renyu rine chinangwa chekudzidzisa vatendi, tichakupai hombowo hwese pamusoro peBhaibheri. Bhaibheri rakawanikwa kunyika yeEgypt, iyo iri muno muAfrica. Saka vaya vanoti Bhaibheri rakauya nevarungu, kana kuti chiKristu chakauya nengarava, Havana ruzivo nezvenhoroondo yeBhaibheri.
Bhaibheri rakawanikwa panzvimbo inonzi Alexandrea Area, iyo iri kuEgypt. Bhaibheri rakanga riri mumahwendefa akasiyana siyana, anonzi muChirungu ma-scrolls. Mahwendefa aya akanga akanyorwa nemitauro mitatu. Mamwe acho akanga akanyorwa nemutauro wechiAramaic, mamwe akanyorwa muchiHeberu, uye mamwe akanga akanyorwa nemutauro wechiGiriki.
Sezvo mazuva iwawo hutongi hwechiGiriki hwakanga hwakakurumbira, nyanzvi dzemitauro dzinokwana makumi manomwe, dzakagara pasi dzikashandura mabhuku/mahwendefa akanga akanyorwa nemutauro wechiHeberu newechiAramaic dzichimaisa mumutauro wechiGiriki. Uku ndiko kwakava kutanga kwekushandurirwa kweBhaibheri mumitauro yakasiyana siyana.
Bhaibheri rokutanga kushandurirwa mumutauro weChirungu rinonzi King James Version. Bhaibheri iri rakashandurwa mugore ra1611AD. Mambo James, uyo akanga achitonga panguva iyoyo, akatsvaka kuda kuziva pamwe nokunzwisisa kuti icho chinombonzi Bhaibheri chii. Naizvozvo, akabva araira kuti Bhaibheri rishandurwe, kubva mururimi rwechiGiriki, kuenda muChirungu, kuti naiye akwanise kuriverenga.
Muno muZimbabwe, Bhaibheri rakatanga kushandurwa kubva mururimi rweChirungu kuenda muchiShona. Izvi zvakaitwa mugore ra1951. Izvi zvakakwanisika nerubatsiro rwemamishonari pamwe nesangano reRoman Catholic. Mamwe maBhaibheri mumitauro yakaita seNdebele akazouyavo nekufamba kwenguva. Panguva yakashandurwa Bhaibheri mururimi rweShona, mugore ra1951, pakanga pasati pava nemanzwi mazhinji erurimi rweShona. Izvi zvakasakisa kuti mamwe manzwi akan ga ari muBhaibheri reShona rekutanga iri asagamuchirwa nemakereke mazhinji. Aya manzwi akaita sokuti “mudzimu” uye kuti “bira”. Naizvozvo, Bhaibheri rakaramba richidzokororwa, kuti riiswe mamwe manzwi akafanira akanga achimuka, nokuramba kuchinandudzwa kwayiita mutauro weShona. Nhasi uno tine Bhaibheri reShona richangobva mukuburwa, rinonzi Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.
VaKristu vanofanira kunzwisisa kuti chinhu chakakosha kuti Bhaibheri reShona rirambe richivandudzwa manzwi aro, kana pachinge pamuka mamwe manzwi akanyanyofanira. Semuenzaniso, kuti munatsoona kukosha kwazvo, ngatitarisei mashandurirwe akaitwa mamwe manzwi emuTestamente Yakare. Tikaverenga nezvetabenakere yemuTestamente Yakare, tinonzwa kuti zambara retabenakere rakanga rakagadzirwa ne (muChirungu)- blue, purple and scarlet thread. MuBhaibheri reShona (ra1951) ruvara rwekuti “blue thread” rwakashandurwa rwuchinzi “zvakarurwa zvitema.” Asivo, ruvara rwe”blue” harwungashandurwi rwuchinzi “rwutema”. Naizvozvo, izvi zvinogona kuzorasa dudziro inenge ichida kuburitswa nerugwaro. Nokudaro, zvakakosha kuti manzwi akafanira arambe achitsvagwa, kuti ape dudziro yakakwana kumagwaro.
Mukubatanidzwa kwakaitwa mabhuku eBhaibheri, kubva pamahwendefa, kwakasakisavo kuti madzibaba echiKristu enguva iyoyo asava nekuwirirana pamusaka pemamwe mabhuku akanga ashandurwa. Izvi zvakamutsa pfungwa yokuti Bhaibheri rine mamwe mabhuku akawedzerwa adomwe kunzi Apokirifa. Apokirifa rine mamwe mabhuku anosanganisira Sara, Tobiti nemamwevo. Zvisinei, Bhaibheri ratinoshandisa mukereke med urine mabhuku anokwana makumi matanhatu nematanhatu, zvichireva kuti harina Apokirifa.
Wakambozvibvunzavo here kuti Bhaibheri ringatora nguva yakareba zvakadii richishandurwa kubva mune umwe mutauro, kuenda kune mumwe mutauro! Mwedzi umwechete here? Gore rimwechete here? VeBible Society of Zimbabwe vanoti ivo Bhaibheri rinotora makore anokwana gumi, kuti rishandurwe kubva mune mumwe mutauro, kuenda mune umwe mutauro. Asivo, Bhaibheri richangobva mukushandurirwa mune mumwe mutauro wekunyika yeKenya rakati kurumidzei. Takatora makore anokwana matanhatu. MuZimbabwe, tichiri neimwe mitauro isati yava neBhaibheri mururimi rwayo. Ngatinyengeterei kuti mitauro yose ikwanise kuva neBhaibheri mndimi dzayo, kuti Shoko raMwari risvike kumarudzi ose.

No comments:

Post a Comment