Tuesday, February 9, 2010

MODERATOR VAKATENGA CHIFAMBISO

MODERATOR VAKATENGA CHIFAMBISO
Nechinangwa chekuti kufambira kumabhuranji ese kuite nyore kwavari, mutungamiri wekereke vakava nokutenga chifambiso chemotikari.
Baba vaStamba vakava nokutenga motikari yavo gore rapera, uye ndiyo yavakasevenzesa pakuuya kumusangano weveboka revatsva, muna Zvita, gore rapera. Iyi imota yakasimba kwazvo, uye inodhonza nemavhiri ose, zvichiita kuti ikwanise kufambira vatendi kunyange nevari kumaruwa ose.
Baba vaStamba vakaba nokuzivisa vatendi vose, pamusangano waZvita, kuti chinangwa chikuru chakavasakisa kuti vatenge motikari ndechokufambira mabhuranji ose. Mabhuranji ose anenge achida kukoka Baba vaStamba anofanirwa kutanga anyorera kumunyori mukuru, Mufundisi vaMuoneka. Baba vaMuoneka ndivo vanozoongorora pamwe nokuronga mazuva anenge akasununguka Baba vaStamba kuti vashanyire bhuranji iroro. Bhuranji rinozobva raziviswa nezvemazuva akafanira acho.
Bhuranji rinenge rakoka Baba vaStamba rinofanira kuzobvisavo mari yemafuta emotokari ekuti vakwanise kufamba kuenda kubhuranji iroro. Gore rino tinotarisira kuti Baba vaStamba vachange vachitenderera kumabhuranji ose, vachibata basa reevhangeri yehumambo.

No comments:

Post a Comment