MODERATOR VAKATENGA CHIFAMBISO
Nechinangwa chekuti kufambira kumabhuranji ese kuite nyore kwavari, mutungamiri wekereke vakava nokutenga chifambiso chemotikari.
Baba vaStamba vakava nokutenga motikari yavo gore rapera, uye ndiyo yavakasevenzesa pakuuya kumusangano weveboka revatsva, muna Zvita, gore rapera. Iyi imota yakasimba kwazvo, uye inodhonza nemavhiri ose, zvichiita kuti ikwanise kufambira vatendi kunyange nevari kumaruwa ose.
Baba vaStamba vakaba nokuzivisa vatendi vose, pamusangano waZvita, kuti chinangwa chikuru chakavasakisa kuti vatenge motikari ndechokufambira mabhuranji ose. Mabhuranji ose anenge achida kukoka Baba vaStamba anofanirwa kutanga anyorera kumunyori mukuru, Mufundisi vaMuoneka. Baba vaMuoneka ndivo vanozoongorora pamwe nokuronga mazuva anenge akasununguka Baba vaStamba kuti vashanyire bhuranji iroro. Bhuranji rinozobva raziviswa nezvemazuva akafanira acho.
Bhuranji rinenge rakoka Baba vaStamba rinofanira kuzobvisavo mari yemafuta emotokari ekuti vakwanise kufamba kuenda kubhuranji iroro. Gore rino tinotarisira kuti Baba vaStamba vachange vachitenderera kumabhuranji ose, vachibata basa reevhangeri yehumambo.
Tuesday, February 9, 2010
MUSANGANO WE-EASTER 2010
MUSANGANO WEKUTANGA KWEGORE WE-EASTER
Musangano wekutanga wegore rino uchava nokuitwa mumwedzi mishomanana iri kutevera.
Musangano weEaster uchava nokuitirwa kunzvimbo yeMurowa, zvichitevera tsika yekereke inoti musangano uyu ucharamba uchingoitirwa kunzvimbo iyi. Musangano uyu uchava nokutanga musi wa2 April neChishanu, uchiva nokupera musi wa4 April, musi weSvondo.
Pane hurongwa huzhinji kwazvo hwakagadzirirwa musangano uyu, uye nhengo dzose kubva kumativi mana enyika dzinokurudzirwa kuuya kumusangano uyu. Danho rekereke regore ra2010 richava nokuparurwa pamusangano uyu, iro richava nokutara gwara rekereke remakore mazhinji ari kutevera.
Zvimwe zvirongwa zvinoitwa pamisangano yose zvichange zvichiitwavo zvakare. Izvi zvirongwa zvinosanganisira chirairo, makwikwi ekuimba emabhuranji, mibairo yakasiyana siyana, zvidzidzo zvevechidiki pamwe nezvimwevo zvatichange takarongerwa nekomiti yedu itsva yevechidiki. Vatendi vazhinji vachange vakatarisiravo kuona zvirongwa zvichange zvakagadzirirwa vana veSande Skuru, sezvo iri riri boka rinowanzosiiwa pamisangano mizhinji.
Vatendi vachange vakatarisiravo kuona kuparurwa kwelibrary, sekuvimbiswa kwakaitwa neboka reGospel Piulgrims. Mabhuku aya haasati atumidzirwa kuMurowa, asi zvinotarisirwa kuti achange avanokutumidzirwa, musangano waApril uyu usati wasvika. Vatendi vose vanokurudzirwa kuti vachitangisa kuunganidza pamwe nokutumidzira mari dzemadyirapamwe emusangano uyu, kuti zvinodiwa pamusangano uyu zvigare zvavapo.
Pamusangano panodiwa zvinhu zvizhinji kwazvo; zvinosanganisira upfu, nyama, shuga, chingwa, chirairo, sipo, nezimwe zvizhinji.

CHIREDZI YOVAKA CHECHI
CHIREDZI YOVAKA CHECHI
Bhuranji reChiredzi riri kuramba richisimukira kwazvo, kuburikidza nezvirongwa zvaro zviri kubatsira kubudirira kwekereke munyika mose.
Tichitanga nokutarisa kwaya yebhuranji reChiredzi, tinoona kuti vaimbi vose vakanga vakapfeka hunifomu yekereke, chinova chiratidzo chehumwe hwavo. Chiredzi ndiyo imwe yemabhuranji akava nokuhaya chifambiso chekuuya kumusangano weveboka revatsva, wakaitirwa kuZvishavane.
Chiredzi zvino yava nedanho gore rairi kuita – kuvakira Jehova tembere. SaDavidi wakapika kuti handingavaki rusvingo rweimba yake kana asina kupedza kuvaka tembere yaShe, bhuranji reChiredzi riri pakati pekuronga kuvaka kereke. Mushure mekunge rava nokuwana sitendi munzvimbo iyi, basa rasara nderokuvaka mudhuri. Iri ibasa rinoda mari zhinji kwazvo pamwe nekuzvipira, asi vatendi veboka iri vakazvipira basa iri, kudzamara rapera.
Kereke yepaMurowa ndiyo chete yakavakwa nechechi. Imwe kereke yakavakwa ndeyekubhuranji rekwaDavira, kunyange zvazvo iri duku. Kereke ine hurongwa hwekuti chechi dzivakwe kumabhuranji ose, kutanga nemabhuranji makuru. Hurongwa uhu hunodavo rubatsiro rwemadhona pamwe nehurumende. Zvichakadaro vakomiti emabhuranji ose munyika anokurudzirwa kuchitangisa kutsvaga masitendi ekuvakira midhuri yekereke, nechinangwa chemakore gumi anotevera ekereke. Mabhuranji anenge asina mari yekuripira pakutengwa kwemasitendi achava nokubatsirwa nehomwe ichavambwa yakanangana nechinangwa ichi.

MUSANGANO MUKURU WAKAITWA KU-LOWVELD
MUSANGANO MUKURU WAKAITWA KU-LOWVELD
Mabhuranji eku-lowveld akava nekuita musangano mukuru kwazvo kubvira musi wa5 kusvika musi wa7 February. Musangano uyu wakava nokuitirwa kunzvimbo yeSamba Ranch, uko kunogara Baba Mapato. Musangano uyu wakava nokuunganidza vatendi kubva kumabhuranji anosanganisira Zaka, Glendevole, Chiredzi, Triangle, Uswaushava, Zvemombe, pamwe neSamba Ranch. Chinangwa chemusangano uyu chakanga chiri chekusimbisa pamwe nekumutsidzira vatendi munzvimbo iyi. Nhengo mbiri dzedare guru rekereke dzakanga dziri pamusangano uyu. Mutevedzeri wasachigaro wekomiti yeAdministration Council, Muvhangeri vaChipare vakanga vari pamusangano uyu zvakare. Nzvimbo yeSamba Ranch yakavambwa makore mashoma apfuura, zvichitevera chirongwa chekugariswa kwevanhu patsva. Izvi zvakasakisa kuti vatendi vakanga vachibva kunzvimbo dzakaita seShongamiti, Shindi, Munaka nedzimwe nzvimbo dziri padyo, vatame vachienda kundogara kunzvimbo iyi. Shoko raMwari rine mukana wekukurumbira kwazvo kunzvimbo idzi, sezvo kune vatendi vazhinji vamwe vasati vagamuchira ruponeso.

MUSANGANO WEVECHIDIKI WAZVITA
MUSANGANO WEVECHIDIKI WAZVITA 2009
Musangano wekupedzisira wegore rapfuura wakanga uri weveboka revechidiki. Musangano uyu wakaitirwa mudhorobha reZvishavane, kubvira musi wa11 kusvika musi wa13 Zvita, 2009.
Musangano uyu wakaitirwa paKadondo Hall. Mabhuranji anopfuura makumi maviri akanga ari pamusangano uyu. Mamwe emabhuranji akanga ari pamusangano uyu anosanganisira Chomuruvati, Triangle, Davira, Chiredzi, Harare, Murowa, Madhigi, Rusvinga, nemamwe mazhinji kwazvo. Nhengo dzedare guru rekereke, reExecutive Council dzakanga dziri pamusangano uyu dzinosanganisira Moderator vaStamba, Mufundisi vaMuoneka, Mufundisi vaStamba (jnr), Mufundisi vaMachadu, Mufundisi vaMvuto, Mufundisi vaMhaka, Mufundisi vaGwaindisa pamwe nedzimwe nhengo dzinoremekedzwa.
Musangano uyu wakanga uchitungamirirwa neveboka revatsva. Moderator vaStamba vakaparura musangano uyu zviri pamurau wekereke, mangwanani emusi wemugovera, 12 Zvita. Vasati vaparura musangano uyu, Moderator vakaimba rwiyo rwavo rwavanofarira, rwekuti: Kulungile Nkulukulu/Tendai Mwari vakanaka.
Panguva dzemasikati, Mufundisi vaMvuto, avo vanova mutungamiri weboka revatsva, vari zvakare nhengo yedare guru rekereke, ndivo vakaparidza mharidzo yemusangano uyu. Vakadzidzisa pamusoro penhau yakakosha yeMweya Mutsvene. Mufundisi vaMvuto vakatsigira mharidzo yavo nerugwaro rwavakavhura kubva muna Joere 2:28, iyo inotaura nezvekubata kweMweya Mutsvene pamazuva ekupedzisira. Rugwaro urwu rwunotaura kuti nemazuva ekupedzisira majaya nemhandara vachapurofita, uye chembere neharahwa vacharota hope.
Vechidiki vakabatwa kwazvo nedzidziso iyi, sokuti yakanga ine chirevo kwavari. Kubata nekugara kweMweya Mutsvene ndiro rakava dingindira guru remusangano uyu. Mufundisi vaStamba (jnr) vakazoenderera mberi nemharidzo iyi, nerugwaro rwavakavhura kubva kuna Muparidzi 5:2. Mufundisi vaStamba vakabata nezvenyaya yekuridza muridzo vachiratidza kudyidzana kwayo nekubata kweMweya Mutsvene. Vakavhuravo zvakare rugwaro kubva muna Zvakazarurwa 22:10.
Vatendi vazhinji vakanyanyofadzwa nekuuya kwakaita vatendi vesangano reFollowers of Christ Assemblies (FOCA ) kuzobatiravo pamusangano uyu. FOCA isangano rinodyidzana nereMICA sezvo aya ari masangano anobva padzinde rimwechete. Mutungamiri akanga akatungamira boka iri akapiwavo nguva yokuparidza pamusangano uyu. Boka reFOCA iri rakanga rabva kubhuranji reChomuruvati.
Zvimwe zviitiko zvakaitwa pamusangano uyu zvinosanganisiravo makwikwi ekuimba emabhuranji akasiyana siyana, pamwevo nechirairo.Musangano uyu wakazopera mangwanani emusi weSvondo apo mabhuranji mazhinji akatanga kupandaka achienda.

HARARE MOURNS PATTY HOVE
HARARE MOURNS PATTY HOVE
Harare branch has mourned the death of Patty Hove who passed away early January this year.
Patty was in form two when she passed on, because of consistent stomach problems. Her parents are full time church members. Patty was buried in Zvishavane, Murowa. Some members from Harare branch witnessed the burial. Pastor Mhaka, Amai Chibaya and Sister Tsungi attended the burial to pay their last respects to the little girl who was taken by the Lord.
Patty was a bright Sunday School kid. She will always be remember for sweet songs, including:
Akasika denga, Amen Amen Amen
Patty participated in various church activities. She was one of the bridemaids at the wedding of Evangelist Bhiya, which was held in August 2008, in Chiredzi. Jerina Zihwa, who was one of the bridemaids at this wedding, had this to say, “She danced quite well at the wedding, with her partner Clemence, we are always going to remember her, for the time we shared while preparing for Evangelist Bhiya’s wedding. We would often meet every weekend, and we got to know her so well. We were just one big family. She left a huge gap in our hearts. We pray that she may rest in peace.”
Sharon Moyo, who was one of Patty’s best friends and now based in South Africa, said she was shocked to hear the news of her best friend’s passing on. “It happened unexpectedly, and i am quite shocked. She was an important friend to me. I am going to miss her so much.”
We pray that the Lord may heal the hearts of all those who are still mourning for her. “He heals the brokenhearted and binds up their wounds:” (Psalm 147:3).

Subscribe to:
Posts (Atom)